Hebrews 3

Kristu mukuru kuna Mozisi

1Naizvozvo, hama tsvene, vagovani vekudanwa kwekudenga, rangarirai muapositori nemupristi mukuru wekupupura kwedu, iye Kristu Jesu, 2wakatendeka kuna iye wakamugadza, saMozisiwo muimba yake yese. 3Nokuti uyu wakanzi wakafanira rukudzo kupfuura Mozisi, sezvo anovaka imba ane rukudzo kuipfuura. 4Nokuti imba imwe neimwe inovakwa neumwe; asi anovaka zvese ndiMwari. 5Zvino Mozisi zvirokwazvo wakanga akatendeka muimba yake yese semuranda, kuti huve uchapupu hwezvinhu zvaizotaurwa; 6asi Kristu seMwanakomana pamusoro peimba yake; imba yake yatiri isu, kana chete tikabatisisa kushinga nekuzvirumbidza kwetariro kusvika pakuguma. 7Naizvozvo sezvinotaura Mweya Mutsvene achiti: Nhasi kana muchinzwa inzwi rake, 8musaomesa moyo yenyu, sepakumukira, nezuva rekuedzwa murenje, 9madzibaba enyu paakandiedza, vachindinzvera, ndokuona mabasa angu makore makumi mana. 10Naizvozvo ndakatsamwiswa nezera iro, ndokuti: Vanogara vachitsauka pamoyo; uye ava havana kuziva nzira dzangu; 11naizvozvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati: Havangatongopindi pazororo rangu. 12Chenjererai, hama, kuti kusava nemoyo wakashata wekusatenda pakati peumwe neumwe wenyu, pakutsauka kubva kuna Mwari mupenyu; 13asi kurudziranai pazuva nezuva, kuchanzi nhasi; kuti kurege kuva neumwe wenyu anoomeswa nekunyengera kwechivi; 14nokuti tava vagovani vaKristu, kana chete tichibatisisa kuvamba kwechivimbo kusvikira pakuguma; 15kuchanzi: Nhasi kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa moyo yenyu, sepakumukira. 16Nokuti vamwe vakati vanzwa vakamukira, asi havasi vese vakabva Egipita kubudikidza naMozisi. 17Asi wakatsamwiswa nani makore makumi mana? Havasi ivo vakatadza here, vane mitumbi yakawira murenje? 18Uye ndivana ani vaakapikira kuti havangapindi pazororo rake, kunze kweavo vasina kutenda? 19Zvino tinoona kuti vakange vasingagoni kupinda nekuda kwekusatenda.

Copyright information for Shona